Genesis 48:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ƃaɓa ʋake ʋakaramba, ʋakati: Ndinoziʋa, mŋana waŋgu, ndinoziʋa; naiye ʋo ucaʋa rudzi, naiye ucaʋa mukuru ʋo; asi munuŋuna wake ucaʋa mukuru kwaari, ʋana ʋake ʋacaʋa ndudzi zhinji.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi baba vakaramba vakati, “Ndinozviziva, mwana wangu, ndinozviziva. Naiyewo achava rudzi, uye naiyewo achava mukuru. Kunyange zvakadaro hazvo muduku achava mukuru kupfuura iye, uye zvizvarwa zvake zvichava boka rendudzi zhinji.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi baba vake vakaramba vakati, “Ndinoziva zvandiri kuita mwanangu. Iye achazovawo dzinza guru ravanhu. Asi munun'una wake ndiye achava mukuru kupinda iye. Vana vaEfuremu vachava ndudzi zhinji dzavanhu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Baba vake vakaramba, vakati, “Ndinoziva, mwana wangu, ndinoziva; naiyewo achava rudzi, naiye achava mukuruwo, asi mun'una wake achava mukuru kwaari, vana vake vachava ndudzi zhinji.”
Shona 2009?
Baba vake vakaramba, vakati, "Ndinoziva, mwana wangu, ndinoziva; naiyewo achava rudzi, naiye achava mu­kuruwo, asi munun'una wake achava mu­kuru kwaari, vana vake vachava ndudzi zhinji."
Shona SUB 2002 Bible
Baba vake vakaramba, vakati, “Ndinoziva, mwana wangu, ndinoziva; naiyewo achava rudzi, naiye achava mukuruwo, asi munun'una wake achava mukuru kwaari, vana vake vachava ndudzi zhinji.”