Genesis 48:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jakobo akaʋudzwa, ɀicinzi: Tarirai, mŋanakomana wenyu, Josefa, woʋuya kwamuri. Israeri akaɀisimbaradza, akagara paʋuʋato.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jakobho akati audzwa kuti, “Mwanakomana wako Josefa auya,” Israeri akazvisimbaradza uye akagara panhoo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jakobho paakanzwa kuti mwana wake Josefi auya akazvisimbaradza akamuka akaita zvokugara pamubhedha.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jakobho akaudzwa, zvichinzi, “Tarirai, mwanakomana wenyu, Josefa, wauya kwamuri.” Isiraeri akazvisimbaradza, akagara pauvato.
Shona 2009?
Jakobho akaudzwa, zvichinzi, "Tarirai, mwanakomana wenyu, Josefa, wauya kwamuri." Isiraeri akazvisimbaradza, akagara pauvato.
Shona SUB 2002 Bible
Jakobho akaudzwa, zvichinzi, “Tarirai, mwanakomana wenyu, Josefa, wauya kwamuri.” Isiraeri akazvisimbaradza, akagara pauvato.