Genesis 48:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana ndirini, pakubva kwaŋgu paPadani, ndakafirwa naRakeri panyika yeKanani munzira ndaȿika pedyo neEfrati, ndikamuʋiga’po panzira inoenda Efrati (rimŋe zita ndiBetrehema).
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pandakanga ndichibva kuPadhani, ndakasuwa nokuti Rakeri akafira munyika yeKenani patakanga tichiri munzira, nhambwe pfupi kubva kuEfurati. Saka ndakamuviga ipapo parutivi rwomugwagwa unoenda kuEfurati” (ndiro Bheterehema).
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinodaro nokuti pandaibva kuMesopotamia, amai vako Rakeri vakandifira panzira munyika yeKanani tava kuda kundosvika kuEfurati, ndiyowo Bheterehemu, ndikavaviga ipapo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana ndirini, pakubva kwangu paPadhani, ndakafirwa naRakeri panyika yeKenani munzira ndasvika pedyo neEfurata, ndikamuvigapo panzira inoenda Efurata (rimwe zita ndiBheterehemu).”
Shona 2009?
Kana ndirini, pakubva kwangu paPadhani, nda­kafirwa naRakeri panyika yeKenani mu­nzira ndasvika pedo neEfurata, ndika­muvigapo panzira inoenda Efurata (rimwe zita ndiBheterehemu)."
Shona SUB 2002 Bible
Kana ndirini, pakubva kwangu paPadhani, ndakafirwa naRacheri panyika yeKenani munzira ndasvika pedyo neEfurata, ndikamuvigapo panzira inoenda Efurata (rimwe zita ndiBhetirehemu).”