Genesis 49:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mŋeya waŋgu, rega kupinda pakuraŋgana kwaʋo, Kukudzwa kwaŋgu, rega kusoŋganiswa neʋuŋgano dzaʋo; Nokuti pakutsamŋa kwaʋo ʋakaʋuraya ʋanhu, Nokuɗa kwaʋo ʋakagura marunda eŋombe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ngandirege kupinda parangano yavo, ngandirege kuva paungano yavo, nokuti vakauraya vanhu mukutsamwa kwavo uye vakagura marunda enzombe sezvavaida.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pabangano ravo handitsikipo, handina chandinoronga navo, nokuti vakauraya vanhu vakashatirwa. Vakacheka marunda emombe, vachiita zvoutsinye zvavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mweya wangu, rega kupinda pakurangana kwavo. Kukudzwa kwangu, rega kusanganiswa neungano dzavo; Nokuti pakutsamwa kwavo vakauraya vanhu, Nokuda kwavo vakagura marunda emombe.
Shona 2009?
Mweya wangu, rega kupinda pakurangana kwavo. Kukudzwa kwangu, rega kusanganiswa neungano dzavo; Nokuti pakutsamwa kwavo vakauraya vanhu, Nokuda kwavo vakagura marunda emombe.
Shona SUB 2002 Bible
Mweya wangu, rega kupinda pakurangana kwavo. Kukudzwa kwangu, rega kusanganiswa neungano dzavo; Nokuti pakutsamwa kwavo vakauraya vanhu, Nokuda kwavo vakagura marunda emombe.