Genesis 49:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Juda mŋana weshumba; Iwe mŋanakomana waŋgu, wakwira ucibva paneɀakaʋurawa; Wakakotama, wakanyaŋga seshumba, Seshumbakadzi; ndianiko ucamumutsa?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uri mwana weshumba, iwe Judha; unodzoka kubva kune zvaunouraya, mwana wangu. Seshumba anonyangira uye anovata pasi, seshumbakadzi, ndiani anotsunga kumumutsa?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Judha mwana weshumba chaiyo, anobata nyama achibva adzokera kubako rake, ondozorora zvake akazvambarara. Seshumba hadzi hakuna angashinge kumumutsa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Judha mwana weshumba; Iwe mwanakomana wangu, wakwira uchibva pane zvakaurawa; Wakakotama, wakanyanga seshumba, Seshumbakadzi; ndianiko achamumutsa?
Shona 2009?
Judha mwana weshumba; Iwe mwanakomana wangu, wakwira uchibva pane zvakaurawa; Wakakotama, wakanyanga seshumba, Seshumbakadzi; ndianiko achamumutsa?
Shona SUB 2002 Bible
Judha mwana weshumba; Iwe mwanakomana wangu, wakwira uchibva pane zvakaurayiwa; Wakakotama, wakanyanga seshumba, Seshumbakadzi; ndianiko achamumutsa?