Genesis 5:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
shure kwokuɓerekwa kwaMaharareri Kenani wakagara makore anamazana masere namakumi manna; akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye mushure mokubereka kwake Maharareri, Kenani akagara kwamakore mazana masere namakumi mana uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kenani akaberekawo vamwe vana, vakomana navasikana. Mushure mokubereka Mahararieri, Kenani akazogarazve mazana masere ana makumi mana amakore.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
shure kwokuberekwa kwaMaharareri Kenani wakagara makore ana mazana masere namakumi mana; akabereka vanakomana navanasikana.
Shona 2009?
shure kokuberekwa kwaMaharareri Kenani wakagara makore ana mazana masere namakumi mana; akabereka vanakomana navanasikana.
Shona SUB 2002 Bible
shure kwokuberekwa kwaMaharareri Kenani wakagara makore ana mazana masere namakumi mana; akabereka vanakomana navanasikana.