Genesis 5:29 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
akamutumidza zita rinonzi Noa, aciti: Uyu ucatiʋaraidza paɓasa reɗu napakutambudzika kwamaʋoko eɗu, ɀinobva panyika yakatukwa naJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akamutumidza zita rokuti Noa uye akati, “Achativaraidza pabasa uye napakurwadziwa kwokubata kwamaoko edu zvinobva pavhu rakatukwa naJehovha.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
waakatumidza zita rokuti Nowa, achiti, “Mwana uyu ndiye achatizorodza mwoyo pabasa redu rakaoma ratinotambura tichiita namaoko edu zvakakonzerwa nenyika yakapiwa rushambwa naTenzi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
akamutumidza zita rinonzi Noa, achiti, “Uyu achativaraidza pabasa redu napakutambudzika kwamaoko edu, zvinobva panyika yakatukwa naJehovha.”
Shona 2009?
akamutumidza zita rinonzi Nowa, achiti, "Uyu achativa­raidza pabasa redu napakutambudzika kwamaoko edu, zvinobva panyika yaka­tukwa naJehovha."
Shona SUB 2002 Bible
akamutumidza zita rinonzi Nowa, achiti, “Uyu achativaraidza pabasa redu napakutambudzika kwamaoko edu, zvinobva panyika yakatukwa naJehovha.”