Genesis 50:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Taurai naJosefa, muti: Ɀino ɗokaŋganwirai henyu kutadza kwaʋakoma ʋenyu; neɀiʋi ɀaʋo, nokuti ʋakakuitirai ɀakaipa; ɀino ɗokaŋganwirai kutadza kwaʋaranda ʋaMŋari waɓaɓa ʋenyu. Josefa akacema pakutaura kwaʋo naye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
‘Izvi ndizvo zvamunofanira kutaura kuna Josefa: Ndinokumbira kuti ukanganwire madzikoma ako zvivi zvavo nezvitadzo zvavakaita pavakakuitira zvakaipa kwazvo. Zvino ndapota kanganwira hako zvivi zvavaranda vaMwari wababa vako.’ ” Pakasvika shoko ravo kwaari, Josefa akachema.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
mundoudza Josefi kuti, ‘Ndinokumbira kuti uregererewo vakoma vako zvitadzo nezvakaipa zvavakaita nokuti vakakuitira zvakaipa.’ Saka isu varanda vaMwari wababa venyu tinoti, tapota tiregerereiwo zvatakutadzirai.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
‘Taurai naJosefa,’ muti, ‘Zvino dokanganwirai henyu kutadza kwavakoma venyu; nezvivi zvavo, nokuti vakakuitirai zvakaipa; zvino dokanganwirai kutadza kwavaranda vaMwari wababa venyu.’ ” Josefa akachema pakutaura kwavo naye.
Shona 2009?
`Taurai naJosefa,' muti, `Zvino dokangamwirai henyu kutadza kwavakoma venyu; ne­zvivi zvavo, nokuti vakakuitirai zva­kaipa; zvino dokangamwirai kutadza kwa­varanda vaMwari wababa venyu.' " Josefa akachema pakutaura kwavo naye.
Shona SUB 2002 Bible
‘Taurai naJosefa,’ muti, ‘Zvino dokanganwirai henyu kutadza kwavakoma venyu; nezvivi zvavo, nokuti vakakuitirai zvakaipa; zvino dokanganwirai kutadza kwavaranda vaMwari wababa venyu.’ ” Josefa akachema pakutaura kwavo naye.