Genesis 50:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Josefa akati kuhama dzake: Ndofa, asi Mŋari ucakumutsai ɀirokwaɀo, nokukuɓuɗisai panyika ino, muende kunyika yaakapikira Abrahama, naIsaka, naJakobo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Josefa akati kumadzikoma ake, “Ini ndava kuzofa. Asi zvirokwazvo Mwari achakubatsirai nokukubudisai munyika muno achikuendesai kunyika yakavimbiswa nemhiko kuna Abhurahama, Isaka naJakobho.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Josefi akazotaurira hama dzake kuti, “Ini ndava kufa. Asi Mwari achakushanyirai, achazokutamisai munyika ino agoenda nemi kunyika yaakapikira Abhurahamu naIsaki naJakobho.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Josefa akati kuhama dzake, “Ndofa, asi Mwari achakumutsai zvirokwazvo, nokukubudisai panyika ino, muende kunyika yaakapikira Abhurahamu naIsaka, naJakobho.”
Shona 2009?
Josefa akati kuhama dzake, "Ndofa, asi Mwari achakumutsai zvirokwazvo, nokukubudisai panyika ino, muende kunyika yaakapikira Abhurahamu naIsaka, naJakobho."
Shona SUB 2002 Bible
Josefa akati kuhama dzake, “Ndofa, asi Mwari achakumutsai zvirokwazvo, nokukubudisai panyika ino, muende kunyika yaakapikira Abhurahamu naIsaka, naJakobho.”