Genesis 50:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ƃaɓa ʋaŋgu ʋakandipikisa, ʋaciti: Tarira, ndofa; mubgiro bgandakaɀicerera munyika yeKanani, ndi’mo maunofanira kundiʋiga’mo. Naiɀoɀo ɀino ɗonditenderai henyu kuti ndikwire, ndindoʋiga ɓaɓa ʋaŋgu, ndigodzoka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
‘Baba vangu vakaita kuti ndipike mhiko uye vakati, “Ini ndava kufa; mundivige muguva randakazvicherera munyika yeKenani.” Zvino regai hangu ndikwire ndinoviga baba vangu; ipapo ndigozodzoka hangu.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
baba vangu vakati, ‘Ini ndava kufa. Ndine guva rangu randakagadzira riri kunyika yeKanani. Zvino iwe nditsidzire kuti uchazondiviga muguva iroro.’ Saka zvino ndibvumireiwo kuti ndiende kundoviga baba vangu ndigozodzoka zvangu kuno.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
‘Baba vangu vakandipikisa, vachiti tarirai, ndofa, muhwiro hwandakazvicherera munyika yeKenani, ndimo maunofanira kundivigamo.’ Naizvozvo zvino donditenderai henyu kuti ndikwire, ndindoviga baba vangu, ndogodzoka.”
Shona 2009?
`Baba vangu vakandipikisa, vachiti tarirai, ndofa, muhwiro hwandakazvicherera munyika yeKenani, ndimo maunofanira kundivigamo.' Naizvozvo zvino donditenderai henyu kuti ndikwire, ndindoviga baba vangu, ndogodzoka."
Shona SUB 2002 Bible
‘Baba vangu vakandipikisa, vachiti tarirai, ndofa, muhwiro hwandakazvicherera munyika yeKenani, ndimo maunofanira kundivigamo.’ Naizvozvo zvino donditenderai henyu kuti ndikwire, ndindoviga baba vangu, ndogodzoka.”