Genesis 7:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ɀinhu ɀose, ɀakaŋga ɀinokufema kwomŋeya woʋupenyu mumhino dzaɀo, ɀose ɀakaŋga ɀiri pakawoma pasi, ɀikafa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvinhu zvose zvakanga zvino kufema kwoupenyu mumhino dzazvo panyika zvakafa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvinhu zvose zvipenyu zvino mweya wokufema zvisingagare mumvura zvakapera kufa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
zvinhu zvose zvakanga zviine kufema kwomweya woupenyu mumhino dzazvo, zvose zvakanga zviri pakaoma pasi, zvikafa.
Shona 2009?
zvinhu zvose zvakanga zviine kufema ko­mweya woupenyu mumhino dzazvo, zvose zvakanga zviri pakaoma pasi, zvi­kafa.
Shona SUB 2002 Bible
zvinhu zvose zvakanga zviine kufema kwomweya woupenyu mumhino dzazvo, zvose zvakanga zviri pakaoma pasi, zvikafa.