Genesis 8:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Mŋari wakaraŋgarira Noa neɀipenyu ɀose, neɀipfuwo ɀose ɀakaŋga ɀiri muareka naye; Mŋari akafambisa mhepo panyika, mvura ikaserera,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Mwari akarangarira Noa nemhuka dzose dzesango nezvipfuwo zvakanga zvinaye muareka, uye akatuma mhepo pamusoro penyika, uye mvura zhinji ikaserera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mwari akazorangarira Nowa nezvipenyu zvose nezvipfuwo zvese zvaaiva nazvo mungarava, saka Mwari akaita kuti mhepo ivhuvhute pasi pose mvura ikabva yava kuserera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Mwari wakarangarira Noa nezvipenyu zvose, nezvipfuwo zvose zvakanga zviri muareka naye; Mwari akafambisa mhepo panyika, mvura ikaserera,
Shona 2009?
Zvino Mwari wakarangarira Nowa nezvipenyu zvose, nezvipfuwo zvose zvakanga zviri muareka naye; Mwari akafambisa mhepo panyika, mvura ikaserera,
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Mwari wakarangarira Nowa nezvipenyu zvose, nezvipfuwo zvose zvakanga zviri muareka naye; Mwari akafambisa mhepo panyika, mvura ikaserera,