Genesis 8:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova akanzwa kunhuwira kwakanaka, Jehova akati mumŋoyo make: Handicazotuki ɀe nyika nokuɗa kwomunhu; nokuti kufuŋga kwomŋoyo womunhu kwakaipa kubva paʋuɗuku bgake; handicazoroʋi ɀe ɀipenyu ɀose, seɀandakaita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha akanzwa kunhuwira kwakanaka akati mumwoyo make, “Handichazotukizve nyika nokuda kwomunhu, kunyange hazvo kufunga kwomwoyo wake kwakaipa kubva pakuberekwa kwake. Uye handichazoparadzazve zvisikwa zvipenyu zvose, sezvandakaita.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akanzwa kunhuhwirira kwayo akati nechemumwoyo, “Handichazorega nyika ichiwirwa norushambwa pamusana pomunhu, nokuti ndangariro dzomwoyo womunhu dzakaipa kubvira pauduku hwake. Handichazomboparadzazve zvinhu zvipenyu zvose sezvandakaita rwendo runo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehovha akanzwa kunhuwira kwakanaka, Jehovha akati mumwoyo make, “Handichazotukizve nyika nokuda kwomunhu; nokuti kufunga kwomwoyo womunhu kwakaipa kubva pauduku hwake; handichazorovizve zvipenyu zvose, sezvandakaita.
Shona 2009?
Jehovha akanzwa kunhuhwira kwakanaka, Jehovha akati mumoyo make, "Handichazotukizve nyika nokuda komunhu; nokuti kufunga komoyo womunhu kwakaipa kubva pauduku hwake; handichazorovizve zvipenyu zvose, sezvandakaita.
Shona SUB 2002 Bible
Jehovha akanzwa kunhuwira kwakanaka, Jehovha akati mumwoyo make, “Handichazotukizve nyika nokuda kwomunhu; nokuti kufunga kwomwoyo womunhu kwakaipa kubva pauduku hwake; handichazorovizve zvipenyu zvose, sezvandakaita.