Genesis 9:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Shemi naJafeti ʋakatora ŋguʋo, ʋakaiisa pamafudzi aʋo, ʋakaenda manhenda shure, ʋakafukidzira kusasimira kwaɓaɓa ʋaʋo; ɀiso ɀaʋo ɀakaŋga ɀakatarira shure, ʋakasaʋona kusasimira kwaɓaɓa ʋaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Shemu naJafeti vakatora nguo vakayiisa pamapfudzi avo; ipapo vakafamba nenhendashure vakafukidza baba vavo pakusasimira kwavo. Zviso zvavo zvakanga zvakatarisa parutivi kuitira kuti varege kuona kusasimira kwababa vavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Shemu naJafeti vakatora nguwo vakaisumudza kusvika pamapfudzi avo vose vari vaviri, vakadududza namakotsi vakasvikofukidza baba vavo vakatarisa rutivi, saka havana kutarisa baba vavo vakanga vasina kupfeka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Shemu naJafeti vakatora nguo, vakaiisa pamafudzi avo, vakaenda manhenda shure, vakafukidzira kusasimira kwababa vavo; zviso zvavo zvakanga zvakatarira shure, vakasaona kusasimira kwababa vavo.
Shona 2009?
Ipapo Shemu naJafeti vakatora nguvo, vakaiisa pamafu­dzi avo, vakaenda manhenda shure, va­kafukidzira kusasimira kwababa vavo; zviso zvavo zvakanga zvakatarira shure, vakasaona kusasimira kwababa vavo.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Shemu naJafeti vakatora nguo, vakaiisa pamafudzi avo, vakaenda manhenda shure, vakafukidzira kusasimira kwababa vavo; zviso zvavo zvakanga zvakatarira shure, vakasaona kusasimira kwababa vavo.