Habakkuk 1:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Haiwa, Jehova, ndicaɗana kuȿikira riniko, imi musiŋganzwi? Ndinoɗana kwamuri pamsoro pokuitirwa simba, asi hamundiponesi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Haiwa Jehovha, ndicharamba ndichidanidzira, ndichitsvaka rubatsiro kusvikira riniko, asi musingandinzwi? Kana kudana kwamuri ndichiti, “Ndorwiswa!” asi hamundiponesi?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nhai TENZI, kusvikira rinhi chaizvo ndichingochemera rubatsiro, imi musingateereri? Kana kuchema kwamuri kuti, “Ko utsinyeka uhu!” Asi imi musinganunuri?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Aiwa, Jehovha, ndichadana kusvikira riniko, imi musinganzwi? Ndinodana kwamuri pamusoro pokuitirwa simba, asi hamundiponesi.
Shona 2009?
"Aiwa, Jehovha, ndichadana kusvikira riniko, imwi musinganzwi? Ndinodana kwamuri pamusoro pokuitirwa simba, asi hamundiponesi.
Shona SUB 2002 Bible
“Aiwa, Jehovha, ndichadana kusvikira rinhiko, imi musinganzwi? Ndinodana kwamuri pamusoro pokuitirwa simba, asi hamundiponesi.