Habakkuk 2:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Maɀigutisa neɀinonyadzisa panɀimbo yeɀinokudzwa; cinwai nemi ʋo, muʋe sousina‐kudziŋgiswa; mukombe worudyi rwaJehova ucaȿikira kwamuri, ɀinonyadzisa ɀakaipa ɀicaʋuya pamsoro pokukudzwa kwenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muchazadzwa nenyadzi pachinzvimbo chokukudzwa. Nhasi ndimiwo! Chinwai kuti mudzedzereke! Mukombe unobva kuruoko rwaJehovha rworudyi uri kuuya kwamuri, kunyadziswa kuchafukidza kukudzwa kwenyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uchazvimbirwa iwe nokushorwa panze pokuwana mbiri. Newewo inwa zvako udzadzarike! Uchasvika napauri mukombe uri murudyi rwaTENZI, mbiri yako ichakurirwa nenyadzi dzako.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mazvigutisa nezvinonyadzisa panzvimbo yezvinokudzwa; chinwai nemiwo, muve soasina kudzingiswa; mukombe worudyi rwaJehovha uchasvikira kwamuri, zvinonyadzisa zvakaipa zvichauya pamusoro pokukudzwa kwenyu.
Shona 2009?
Mazvigutisa nezvinonyadzisa panzvimbo yezvinokudzwa; chimwai nemiwo, muve seasina kudzingiswa; mukombe worudyi rwaJehovha uchasvikira kwamuri, zvinonyadzisa zvakaipa zvichauya pamusoro pokukudzwa kwenyu.
Shona SUB 2002 Bible
Mazvigutisa nezvinonyadzisa panzvimbo yezvinokudzwa; chinwai nemiwo, muve soasina kudzingiswa; mukombe worudyi rwaJehovha uchasvikira kwamuri, zvinonyadzisa zvakaipa zvichauya pamusoro pokukudzwa kwenyu.