Habakkuk 2:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mufananidzo wakaʋezwa unoɓatsireiko, ɀawaʋezwa nomuʋezi wawo; kana mufananidzo wakaʋumbga, iwo mudzidzisi wenhema, iye wakauʋumba ɀaanoʋimba nawo, ɀaakaita ɀifananidzo ɀisiŋgagoni kutaura?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Chifananidzo chakavezwa chinobatsireiko, zvachakangogadzirwa nomuvezi? Kana chifananidzo chakaumbwa, chinodzidzisa nhema? Nokuti uyo anochiita anovimba nechaakazviumbira; anoita zvifananidzo zvisingagoni kutaura.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chifananidzo chokunamata, ndechebasa rei chaizvo, icho chakatoitwawo zvacho nomunhu; kana chifananidzo chokunamata chesimbi chinodzidzisa nhema? Nokuti anochigadzira wacho anovimba nezvaanenge aita, anoita zvifananidzo zvokunamata zvisingatauri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Mufananidzo wakavezwa unobatsireiko, zvawavezwa nomuvezi wawo; kana mufananidzo wakaumbwa, iwo mudzidzisi wenhema, iye wakauumba zvaanovimba nawo, zvaakaita zvifananidzo zvisingagoni kutaura?
Shona 2009?
"Mufananidzo wakavezwa unobatsireiko, zvawavezwa nomuvezi wawo; kana mufananidzo wakaumbwa, iwo mudzidzisi wenhema, iye wakauumba zvaanovimba nawo, zvaakaita zvifananidzo zvisingagoni kutaura?
Shona SUB 2002 Bible
“Mufananidzo wakavezwa unobatsireiko, zvawavezwa nomuvezi wawo; kana mufananidzo wakaumbwa, iwo mudzidzisi wenhema, iye wakauumba zvaanovimba nawo, zvaakaita zvifananidzo zvisingagoni kutaura?