Habakkuk 2:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Imi ɀamakapamba marudzi mazhinji, ʋose ʋakasara ʋamarudzi aʋanhu ʋacakupambai imi, nemhaka yeropa raʋanhu, ʋuye nemhaka yokuti makaitira nyika simba, neguta naʋose ʋagere’mo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti makapamba ndudzi zhinji, vakasara vachakupambai, nokuda kweropa ravanhu ramakateura; makaparadza nyika namaguta pamwe chete navageremo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iwe zvawakapamba ndudzi zhinji kudaro, vanosara mumarudzi ose iwayo, vachakupambawo iyewe kutsividza ropa ravanhu noutsinye ihwohwo pasi pano, kumaguta nokuvanhu vose vageremo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Imi zvamakapamba marudzi mazhinji, vose vakasara vamarudzi avanhu vachakupambai imi, nemhaka yeropa ravanhu, uye nemhaka yokuti makaitira nyika simba, neguta navose vageremo.
Shona 2009?
imwi zvamakapamba marudzi mazhinji, vose vakasara vamarudzi avanhu vachakupambai nemhaka yeropa ravanhu, uye nemhaka yokuti makaitira nyika simba, neguta navose vageremo.
Shona SUB 2002 Bible
Imi zvamakapamba marudzi mazhinji, vose vakasara vamarudzi avanhu vachakupambai imi, nemhaka yeropa ravanhu, uye nemhaka yokuti makaitira nyika simba, neguta navose vageremo.