Habakkuk 3:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ko Jehova wakatsamŋira nzizi here? Hasha dzenyu dzakamukira nzizi here? Kutsamŋa kwenyu kwakamukira guŋgwa here, Ɀamunotaȿa mabiza enyu, Mucifamba neŋgoro dzenyu dzoruponeso?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ko, makanga matsamwira nzizi here, Makanga matsamwira zvikova here, nhai Jehovha? Makanga matsamwira gungwa here pamakafambisa mabhiza enyu nengoro dzenyu dzokukunda?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nhai TENZI, makanga mashatirirwa nzizi here? Kana kuti hasha dzenyu dzakavirukira nzizi kana kuti makavirukira gungwa nehasha, pamakanga makatasva mabhiza enyu muri mungoro dzenyu dzehondo dzokukurira?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ko Jehovha akatsamwira nzizi here? Hasha dzenyu dzakamukira nzizi here? Kutsamwa kwenyu kwakamukira gungwa here, Zvamunotasva mabhiza enyu, Muchifamba nengoro dzenyu dzoruponeso?
Shona 2009?
Ko Jehovha akatsamwira nzizi here? Hasha dzenyu dzakamukira nzizi here? Kutsamwa kwenyu kwakamukira gungwa here, Zvamunotasva mabhiza enyu, Muchifamba nengoro dzenyu dzoruponeso?
Shona SUB 2002 Bible
Ko Jehovha akatsamwira nzizi here? Hasha dzenyu dzakamukira nzizi here? Kutsamwa kwenyu kwakamukira gungwa here, Zvamunotasva mabhiza enyu, Muchifamba nengoro dzenyu dzoruponeso?