Haggai 1:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Zerubaberi mŋanakomana waSheartieri, naJoshua mŋanakomana waJehozadaki, muprista mukuru, naʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋasara, ʋakateerera inzwi raJehova Mŋari waʋo, namashoko omuprofita Hagai, seɀaakaŋga atumŋa naJehova Mŋari waʋo; ʋanhu ʋakatya pamberi paJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, naJoshua mwanakomana waJehozadhaki, muprista mukuru, navanhu vose vakanga vasara vakateerera inzwi raJehovha Mwari wavo uye shoko romuprofita Hagai, nokuti Jehovha Mwari wavo akanga amutuma. Uye vanhu vakatya Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo Zerubhabhero mwanakomana waShearitieri, naJoshuwa mwanakomana waJehozadhaki, mupristi mukuru, nechitsama chavanhu chakanga chasara vakateerera shoko raTenzi Mwari wavo namashoko omuporofita Hagai sokutumwa kwaakanga aitwa naTenzi Mwari wavo. Vanhu vakatya Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, naJoshua mwanakomana waJehozadhaki, mupristi mukuru, navanhu vose vakanga vasara, vakateerera inzwi raJehovha Mwari wavo, namashoko omuporofita Hagai, sezvaakanga atumwa naJehovha Mwari wavo; vanhu vakatya pamberi paJehovha.
Shona 2009?
Ipapo Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, naJoshua mwanakomana waJehozadhaki, muprista mukuru, navanhu vose vakanga vasara, vakateerera inzwi raJehovha Mwari wavo, namashoko omuporofita Hagai, sezvaakanga atumwa naJehovha Mwari wavo; vanhu vakatya pamberi paJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, naJoshua mwanakomana waJehozadhaki, Mupristi Mukuru, navanhu vose vakanga vasara, vakateerera izwi raJehovha Mwari wavo, namashoko omuporofita Hagai, sezvaakanga atumwa naJehovha Mwari wavo; vanhu vakatya pamberi paJehovha.