Haggai 1:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova akamutsa mŋeya waZerubaberi mŋanakomana waSheartieri, muɓati waJuda, nomŋeya waJoshua mŋanakomana waJehozadaki, muprista mukuru, nomŋeya waʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋasara, ʋakaʋuya ʋakaɓata paimba yaJehova wehondo, Mŋari waʋo,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo Jehovha akamutsa mweya waZerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati weJudha, uye nomweya waJoshua mwanakomana waJehozadhaki, muprista mukuru, uye nomweya wavanhu vose vakanga vasara. Vakauya vakatanga kushanda paimba yaJehovha Wamasimba Ose, Mwari wavo,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akamutsa mwoyo waZerubhabhero, mwanakomana waShearitieri mutongi wokwaJudha, nemwoyo waJoshuwa mwanakomana waJehozadhaki mupristi mukuru, uyewo mwoyo yechitsama chavanhu vose vakasara vakauya vakashanda paTemberi yaTenzi wehondo nehondo, Mwari wavo
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehovha akamutsa mweya waZerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati waJudha, nomweya waJoshua mwanakomana waJehozadhaki, mupristi mukuru, nomweya wavanhu vose vakanga vasara, vakauya vakabata paimba yaJehovha wehondo, Mwari wavo,
Shona 2009?
Jehovha akamutsa mweya waZerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati waJudha, nomweya waJoshua mwanakomana waJehozadhaki, muprista mukuru, nomweya wavanhu vose vakanga vasara, vakauya vakabata paimba yaJehovha wehondo, Mwari wavo,
Shona SUB 2002 Bible
Jehovha akamutsa mweya waZerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati waJudha, nomweya waJoshua mwanakomana waJehozadhaki, Mupristi Mukuru, nomweya wavanhu vose vakanga vasara, vakauya vakabata paimba yaJehovha wehondo, Mwari wavo,