Haggai 1:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Makafuŋga kuwana ɀizhinji, tarirai, ɀakaŋgoita ɀishoma; makati maɀiisa kumusha, ini ndikafuridzira pamsoro paɀo. Nemhaka yeiko? — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo. Nemhaka yeimba yaŋgu riri ɗoŋgo, mumŋe nomumŋe wenyu acimhanyira kumba kwake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Makatarisira kuwana zvizhinji, asi tarirai, zvakazova zvishoma. Zvamakauya nazvo kumusha, ndakazvifuridzira kure. Nemhaka yeiko?” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Nemhaka yeimba yangu, yaramba ichingova dongo, asi mumwe nomumwe wenyu achishingairira imba yake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Maitarisira kuva namaguta asi twakawanikwa twacho twushomanani. Pamakatwuunza kumusha, ini ndakatwupupurutsa. Pamusana peiko? Ndiwo mubvunzo una Tenzi wehondo nehondo. Chikonzero ndechokuti Temberi yangu inongova dongo zvaro mumwe nomumwe wenyu achimhanya mhanya nezvemba yake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Makafunga kuwana zvizhinji, tarirai, zvakangoita zvishoma; makati mazviisa kumusha, ini ndikafuridzira pamusoro pazvo. Nemhaka yeiko? Ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. Nemhaka yeimba yangu riri dongo, mumwe nomumwe wenyu achimhanyira kumba kwake.
Shona 2009?
"Makafunga kuwana zvizhinji, tarirai, zvakangoita zvishoma; makati mazviisa kumusha, ini ndikafuridzira pamusoro pazvo. Nemhaka yeiko? Ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. Nemhaka yeimba yangu riri dongo, mumwe nomumwe wenyu achimhanyira kumba kwake.
Shona SUB 2002 Bible
“Makafunga kuwana zvizhinji, tarirai, zvakangoita zvishoma; makati mazviisa kumusha, ini ndikafuridzira pamusoro pazvo. Nemhaka yeiko? Ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. Nemhaka yeimba yangu riri dongo, mumwe nomumwe wenyu achimhanyira kumba kwake.