Haggai 2:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana munhu acitakura nyama tȿene mumupendero weŋguʋo yake, akagunɀa nomupendero ciŋgwa, kana ɀakaɓikwa, kana waini, kana mafuta, kana ɀokudya ɀipi neɀipi, ko ɀaʋa ɀitȿene here? Ʋaprista ʋakapindura, ʋakati: Kwete.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana munhu akatakura nyama tsvene mumupendero wenguwo yake, uye mupendero ukagunzva chingwa kana nyama yakabikwa, kana waini, kana mafuta kana zvimwe zvokudya, zvichava zvitsvene here?’ ” Vaprista vakapindura vakati, “Kwete.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iti, ‘Ko kana munhu akatakura nyama inoera mumukombero wehanzu dzake akazogumha nemukombero iwoyo chingwa, kana kuti bota, kana waini kana mafuta kana chokudya chipi nechipi zvacho, chinobva chava chinoera here?’ ” Vapristi vakati, “Kwete.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
‘Kana munhu achitakura nyama tsvene mumupendero wenguwo yake, akagunzva nomupendero chingwa, kana zvakabikwa, kana waini, kana mafuta, kana zvokudya zvipi nezvipi, ko zvava zvitsvene here?’ ” Vapristi vakapindura, vakati, “Kwete.”
Shona 2009?
‘Kana munhu achitakura nyama tsvene mumupendero wenguwo yake, akagunzva nomupendero chingwa, kana zvakabikwa, kana waini, kana mafuta, kana zvokudya zvipi nezvipi, ko zvava zvitsvene here?' " Vaprista vakapindura, vakati, "Kwete."
Shona SUB 2002 Bible
‘Kana munhu achitakura nyama tsvene mumupendero wenguo yake, akagunzva nomupendero chingwa, kana zvakabikwa, kana waini, kana mafuta, kana zvokudya zvipi nezvipi, ko zvava zvitsvene here?’ ” Vapristi vakapindura, vakati, “Kwete.”