Haggai 2:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Hagai akati: Kana munhu, wakaȿiɓiswa nemhaka yokuɓata citunha, akagunɀa cinhu cimŋe caiɀoɀi, ko caȿiɓiswa here? Ʋaprista ʋakapindura, ʋakati: Caȿiɓiswa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Hagai akapindura akati, “Kana munhu asvibiswa nokubata kwaaita chitunha, akabata chimwe chaizvozvi, ko, chingasvibiswa here?” Vaprista vakapindura vakati, “Hongu chinosvibiswa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hagai ndokutizve, “Ko munhu anenge an'ora pamusana pokugunzva chitunha iye ozondogumha chimwe chaizvozvi izvi chinobva chan'ora here?” Vapristi vakati, “Chinon'ora.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Hagai akati, “Kana munhu, wakasvibiswa nemhaka yokubata chitunha, akagunzva chinhu chimwe chaizvozvi, ko chasvibiswa here?” Vapristi vakapindura, vakati, “Chasvibiswa.”
Shona 2009?
Ipapo Hagai akati, "Kana munhu, wakasvibiswa nemhaka yokubata chitunha, akagunzva chinhu chimwe chaizvozvi, ko chasvibiswa here?" Vaprista vakapindura, vakati, "Chasvibiswa. "
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Hagai akati, “Kana munhu, wakasvibiswa nemhaka yokubata chitunha, akagunzva chinhu chimwe chaizvozvi, ko chasvibiswa here?” Vapristi vakapindura, vakati, “Chasvibiswa.”