Haggai 2:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nezuʋa iro — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — ndicakutora iwe, Zerubaberi, muranda waŋgu, mŋanakomana waSheartieri — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ndicakuita secisimbiso; nokuti ndakakusanaŋgura — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Pazuva iroro,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, ‘ndichakutora iwe, muranda wangu, Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘uye ndichakuita sechisimbiso changu, nokuti ndakakusarudza,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pazuva iroro, ndizvo zviri kutaurwa naTenzi wehondo nehondo ndichakutora iwe, Zerubhabhero, muranda wangu, mwanakomana weShearitieri, ndizvo zviri kutaura Tenzi ndikuite seringi rechidhindo nokuti ndakusarudza,” ndizvo zviri kutaura Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ndichakutora iwe, Zerubhabheri, muranda wangu, mwanakomana waShearitieri ndizvo zvinotaura Jehovha ndichakuita sechisimbiso; nokuti ndakakusanangura ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.”
Shona 2009?
Nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ndichakutora iwe, Zerubhabheri, muranda wangu, mwanakomana waShearitieri ndizvo zvinotaura Jehovha ndichakuita sechisimbiso; nokuti ndakakusanangura ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo."
Shona SUB 2002 Bible
Nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ndichakutora iwe, Zerubhabheri, muranda wangu, mwanakomana waShearitieri ndizvo zvinotaura Jehovha ndichakuita sechisimbiso; nokuti ndakakusanangura ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.”