Haggai 2:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndiani wakasara pakati penyu, wakaɗeya kuʋona imba ino pakubginya kwayo kwokutaŋga? Ɀino munoiʋona yakaɗiniko? Pakuʋona kwenyu haina‐kuita sapasina here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
‘Ndiani pakati penyu vakasara akaona imba ino pakubwinya kwayo kwokutanga? Munoionawo sei zvino? Pakuona kwenyu haina kuita sapasina here?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
‘Pane mumwe here pakati penyu asara akaona kunaka kwakanga kwakaita Temberi iyi pakutanga, munoiona yakadii zvino izvi? Sokuonawo kwenyu handiti inenge chinhu pasina?’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
‘Ndiani wakasara pakati penyu, wakadeya kuona imba ino pakubwinya kwayo kwokutanga?’ Zvino munoiona yakadiniko? Pakuona kwenyu haina kuita sapasina here?
Shona 2009?
‘Ndiani wakasara pakati penyu, wakadeya kuona imba ino pakubwinya kwayo kokutanga?' Zvino munoiona yakadiniko? Pakuona kwenyu haina kuita sapasina here?
Shona SUB 2002 Bible
‘Ndiani wakasara pakati penyu, wakadeya kuona imba ino pakubwinya kwayo kwokutanga?’ Zvino munoiona yakadiniko? Pakuona kwenyu haina kuita sapasina here?