Hebrews 1:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
iye cadzera cokubginya kwake, nomufananidzo wake caiye, unoceŋgeta ɀinhu ɀose nenzwi resimba rake, wakati apedzisa kunatswa kweɀiʋi, akagara kurudyi rwoƲumambo kuɗeŋga,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mwanakomana ndiye chadzera chokubwinya kwaMwari uye ndiye mufananidzo wake chaiwo, anochengeta zvinhu zvose neshoko rake rine simba. Mushure mokunge apedza kunatswa kwezvivi, akagara kurudyi rwamambo kudenga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndiye anoratidza pachena mbiri yaMwari, ndiyezve mufananidzo chaiwo wamamiriro akaita Mwari, anochengetedza mumaoko ake zvisikwa zvose nezwi rake rinesimba. Paakapedza kuita basa rokuchenesa vanhu kuzvivi, akandogara kurudyi rwaSamasimbaose ari kumusorosoro,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
iye chadzera chokubwinya kwake, nomufananidzo wake chaiye, anochengeta zvinhu zvose nezwi resimba rake, akati apedzisa kunatswa kwezvivi, akagara kurudyi rwoUmambo kudenga,
Shona 2009?
iye chadzera chokubwinya kwake, nomufananidzo wake chaiye, unotakura zvinhu zvose neshoko resimba rake, wakati anatsa zvivi zvedu iye pachake, akagara kurudyi rwoVumambo kudenga,
Shona SUB 2002 Bible
iye chadzera chokubwinya kwake, nomufananidzo wake chaiye, anochengeta zvinhu zvose nezwi resimba rake, akati apedzisa kunatswa kwezvivi, akagara kurudyi rwoUmambo kudenga,