Hebrews 10:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti murairo ɀaunomumvuri weɀinhu ɀakanaka ɀinoʋuya usati uri mufananidzo caiwo weɀinhu iɀoɀo, hauŋgatoŋgogoni kukwanisa aʋo ʋanosweɗera gore rimŋe nerimŋe naiɀoɀo ɀiɓayiro ɀaʋanoramba ʋaciɓayira Mŋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Murayiro unongova mumvuri chete wezvinhu zvakanaka zvinouya, kwete izvo chaizvo. Nokuda kwaizvozvo haungatongogoni kuita kuti avo vanoswedera, kuti vanamate gore rimwe nerimwe, naizvo zvibayiro zvimwe chetezvo zvavanoramba vachibayira kuna Mwari, vakwaniswe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamusana pokuti mutemo mumvuri chete wezvinhu zvakanaka zvichauya, panze pokuva nezvinhu zvacho chaizvo, kuchingova kupira zvibayiro zvimwechetezvo zvinoramba zvichingopirwa gore negore, haumbofa wakaruramisa vanamati.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti murayiro zvauno mumvuri wezvinhu zvakanaka zvinouya usati uri mufananidzo chaiwo wezvinhu izvozvo, haungatongogoni kukwanisa avo vanoswedera gore rimwe nerimwe naizvozvo zvibayiro zvavanoramba vachibayira Mwari.
Shona 2009?
Nokuti murairo zvaunomumvuri wezvinhu zvakanaka zvino vuya usati uri mufananidzo chaiwo wezvinhu izvozvo, haungatongogoni kukwanisa avo vanoswedera gore rimwe nerimwe naizvozvo zvibayiro zvavanoramba vachibayira Mwari.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti murairo zvauno mumvuri wezvinhu zvakanaka zvinouya usati uri mufananidzo chaiwo wezvinhu izvozvo, haungatongogoni kukwanisa avo vanoswedera gore rimwe nerimwe naizvozvo zvibairo zvavanoramba vachibayira Mwari.