Hebrews 10:29 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
hamufuŋgi here kuti munhu, wakatsika Mŋanakomana waMŋari pasi petsoka dzake, akati ropa resuŋgano raakaitwa mutȿene naro harinamaturo ɀaro, akaɀidza Mŋeya wenyasha, kuti iye haaŋganzi wakafanirwa nokurobga kunopfuʋura uku kwaɀo here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ko, munofunga kuti munhu, akatsika pasi petsoka dzake Mwanakomana waMwari uye akatora ropa resungano iri rakamuita mutsvene sechinhu chisiri chitsvene uye akatuka Mweya wenyasha, anofanira kurangwa zvikuru sei?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ko kutozoti munhu anotsokodzera Mwanakomana waMwari achin'oresa ropa rechitenderano rakamuita mutsvene achishatirisa Mweya wenyasha, acharangwa zvakaipisisa sei?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
hamufungi here kuti munhu, akatsika Mwanakomana waMwari pasi petsoka dzake, akati ropa resungano raakaitwa mutsvene naro harina maturo zvaro, akazvidza Mweya wenyasha, kuti iye haanganzi akafanirwa nokurohwa kunopfuura uku kwazvo here?
Shona 2009?
hamufungi here kuti munhu, wakatsika Mwanakomana waMwari pasi petsoka dzake, uye akati ropa resungano raakaitwa mutsvene naro harinamaturo zvaro, uye akazvidza Mweya wenyasha, kuti iye haanganzi wakafanirwa nokurobwa kunopfuvura uku kwazvo here?
Shona SUB 2002 Bible
hamufungi here kuti munhu, akatsika Mwanakomana waMwari pasi petsoka dzake, akati ropa resungano raakaitwa mutsvene naro harina maturo zvaro, akazvidza Mweya wenyasha, kuti iye haanganzi akafanirwa nokurohwa kunopfuura uku kwazvo here?