Hebrews 10:34 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti makanzwira tsitsi aʋo ʋakasuŋgwa, mukatenda ʋo nomufaro kuti nhumbi dzenyu dzipambge, muciziʋa kuti imi mumene munefuma yakapfuʋura nokunaka, inogara.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Makanzwira tsitsi avo vakanga vari mutorongo mukagamuchira nomufaro kupambwa kwenhumbi dzenyu, nokuti maiziva kuti imi pachenyu makanga mune pfuma yakapfuura nokunaka uye inogara.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamusana pokuti imi maiva netsitsi navasungwa uye maigamuchira nomufaro kupambwa kwezvinhu zvenyu nokuti imi pachenyu munoziva kuti mune chamuinacho chiri nani chinogara nokusingaperi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti makanzwira tsitsi avo vakasungwa, mukatendawo nomufaro kuti nhumbi dzenyu dzipambwe, muchiziva kuti imi mumene mune pfuma yakapfuura nokunaka, inogara.
Shona 2009?
Nokuti makanzwira tsitsi kusungwa kwangu, makatendavo nomufaro kuti nhumbi dzenyu dzipambwe, muchiziva kuti imwi mumene munefuma yakapfuvura nokunaka, inogara iri kudenga.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti makanzwira tsitsi avo vakasungwa, mukatendawo nomufaro kuti nhumbi dzenyu dzipambwe, muchiziva kuti imi mumene mune pfuma yakapfuura nokunaka, inogara.