Hebrews 10:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ndikati: Tarirai, ndaʋuya, (Pabuku yakapetwa pakanyorwa ɀaŋgu) Kuti ndiite kuɗa kwenyu, imi Mŋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo ini ndakati, ‘Ndiri pano, mubhuku rakapetwa makanyorwa nezvangu, ndauya kuti ndiite kuda kwenyu, imi Mwari.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndipo pandakati, ‘Mwari, tarisai muone ndauya kuzoita kuda kwenyu, sokunyorwa kwazvakaitwa nezvangu mubhuku rokumononora.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ndikati, ‘Tarirai, ndauya, (Mubhuku yakapetwa makanyorwa nezvangu) Kuti ndiite kuda kwenyu, imi Mwari.’ ”
Shona 2009?
Zvino ndikati: Tarirai, ndavuya, (Murugwaro makanyorwa pamusoro pangu) Kuti ndiite kuda kwenyu, imwi Mwari.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ndikati, ‘Tarirai, ndauya, (Mubhuku yakapetwa makanyorwa nezvangu) Kuti ndiite kuda kwenyu, imi Mwari.’ ”