Hebrews 11:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Saka ku munhu mumŋe, wakaŋga akaita sowafa, kwakabva ʋana ʋakaita senyeredzi dzokuɗeŋga nokuwanda kwaʋo, ʋuye sejeca riri pamhenderekedzo yeguŋgwa risiŋgaʋereŋgwi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye nokudaro kubva pamunhu mumwe, akanga oita soafa, kwakava nezvizvarwa zvakawanda senyeredzi dzokudenga uye zvisingaverengeki sejecha pamahombekombe egungwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokudaro kubva pamunhu mumwechete uye akanga aita somunhu akafa akabereka vana vakawanda senyenyedzi dzedenga uye vasingaverengeki sejecha rapamahombekombe pegungwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saka kumunhu mumwe, akanga akaita sowafa, kwakabva vana vakaita senyeredzi dzokudenga nokuwanda kwavo, uye sejecha riri pamhenderekedzo yegungwa risingaverengwi.
Shona 2009?
Saka kumunhu mumwe, wakanga akaita sowafa, kwakabva vana vakaita senyeredzi dzokudenga nokuwanda kwavo, uye sejecha riri pamhenderekedzo yegungwa risingaverengwi.
Shona SUB 2002 Bible
Saka kumunhu mumwe, akanga akaita sowafa, kwakabva vana vakaita senyenyedzi dzokudenga nokuwanda kwavo, uye sejecha riri pamhenderekedzo dzegungwa risingaverengwi.