Hebrews 11:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iʋaʋa ʋose ʋakafa ʋacitenda, ʋasina‐kupiwa ɀipikirwa, asi ʋakaɀiʋona ɀiri kure, ʋakaɀikwazisa, ʋakatenda kuti iʋo ʋaeni naʋafambi panyika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanhu ava vose vakanga vachirarama nokutenda kusvikira panguva yokufa. Havana kuwana zvinhu zvavakavimbiswa; vakangozviona chete uye vakazvigamuchira zviri kure. Uye vakabvuma kuti ivo vakanga vari vaeni navatorwa panyika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ava vose vakafa vachitenda vasati vagamuchira zvavakanga vatsidzirwa asi vakanga vazviona vakazvikwaziza vachiri kure. Vakanga vazviona kuti vaenzi navatorwa panyika.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ivava vose vakafa vachitenda, vasina kupiwa zvipikirwa, asi vakazviona zviri kure, vakazvikwazisa, vakatenda kuti ivo vaeni navafambi panyika.
Shona 2009?
Ivava vose vakafa vachitenda, vasina kupiwa zvipikirwa, asi vakazvivona zviri kure, vakazvikwazisa, vakazvimbundikira vakatenda kuti ivo vaeni navafambi panyika.
Shona SUB 2002 Bible
Ivava vose vakafa vachitenda, vasina kupiwa zvipikirwa, asi vakazviona zviri kure, vakazvikwazisa, vakatenda kuti ivo vaeni navafambi panyika.