Hebrews 11:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokutenda Abrahama, aciidzwa, wakaɓayira Isaka; iye wakaŋga agamucira kwaɀo ɀipikirwa, wakaŋga aciɓayira mŋana wake wakaɓerekwa mumŋe woga;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokutenda Abhurahama, paakaedzwa naMwari, akapa Isaka sechibayiro. Iye akanga agamuchira zvipikirwa akanga obayira mwanakomana wake mumwe oga,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamusana pechitendero Abhurahamu paakaedzwa akapira Isaki; nezvo munhu akanga atsidzirwa akanga oda kupira mwanakomana wake mumwechete oga
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokutenda Abhurahamu, achiedzwa, akabayira Isaka; iye akanga agamuchira kwazvo zvipikirwa, akanga achibayira mwana wake wakaberekwa mumwe woga;
Shona 2009?
Nokutenda Abhurahamu, achiidzwa, wakabayira Isaka; iye wakanga agamuchira kwazvo zvipikirwa, wakanga achibayira mwana wake wakaberekwa mumwe woga;
Shona SUB 2002 Bible
Nokutenda Abhurahamu, achiedzwa, akabayira Isaka; iye akanga agamuchira kwazvo zvipikirwa, akanga achibayira mwana wake wakaberekwa mumwe woga;