Hebrews 11:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokutenda Mosesi pakuɓerekwa kwake wakaʋanzwa naʋaɓereki ʋake mŋedzi mitatu, nokuti ʋakaʋona kuti wakaŋga ari mŋana wakanaka; haʋana‐kutya murairo wamambo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokutenda Mozisi paakaberekwa, vabereki vake vakamuviga kwemwedzi mitatu, nokuti vakaona kuti akanga ari mwana akanaka uye havana kutya murayiro wamambo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamusana pechitendero Mosesi paakaberekwa akavanzwa navabereki vake kwemwedzi mitatu nokuti vakaona kuti aitarisika zvakanaka. Havana kutya chirevo chamambo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokutenda Mosesi pakuberekwa kwake akavanzwa navabereki vake mwedzi mitatu, nokuti vakaona kuti akanga ari mwana wakanaka; havana kutya murayiro wamambo.
Shona 2009?
Nokutenda Mozisi pakuberekwa kwake wakavanzwa navabereki vake mwedzi mitatu, nokuti vakavona kuti wakanga ari mwana wakanaka; havana kutya murairo wamambo.
Shona SUB 2002 Bible
Nokutenda Mosesi pakuberekwa kwake akavanzwa navabereki vake mwedzi mitatu, nokuti vakaona kuti akanga ari mwana wakanaka; havana kutya murairo wamambo.