Hebrews 11:35 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakadzi ʋakapiwa ɀe ʋakafa ʋaʋo, ʋamutswa; ʋamŋe ʋakapurwa, ʋakaramba kusunuŋgurwa, kuti ʋawane kumuka kwakapfuʋura nokunaka;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakadzi vakagamuchirazve vakanga vafa vavo vamutswa kuti vave vapenyu zvakare. Vamwe vakatambudzwa uye vakaramba kusunungurwa, kuitira kuti vagozopiwa kumuka kuri nani pakunaka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakadzi vakagamuchira vakafa vavo vamuka muvakafa. Vamwe vavo vakaoneswa nhamo vachitoramba rusununguko kuti vazomuka vava noupenyu huri nani.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakadzi vakapiwazve vakafa vavo, vamutswa; vamwe vakapurwa, vakaramba kusunungurwa, kuti vawane kumuka kwakapfuura nokunaka;
Shona 2009?
Vakadzi vakapiwa zve vakafa vavo, vamutswa; vamwe vakapurwa, vakasagamuchira kusunungurwa, kuti vawane kumuka kwakapfuvura nokunaka;
Shona SUB 2002 Bible
Vakadzi vakapiwazve vakafa vavo, vamutswa; vamwe vakapurwa, vakaramba kusunungurwa, kuti vawane kumuka kwakapfuura nokunaka;