Hebrews 11:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokutenda Aberi wakaɓayira Mŋari ciɓayiro cakanaka kunecaKaini; akapupurirwa naco kuti wakaŋga akarurama, Mŋari acipupurira ɀipo ɀake; naiko kutenda iye, kunyaŋge afa hake, ucaŋgotaura naɀino.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokutenda Abheri akapa Mwari chibayiro chiri nani pane chaKaini. Nokutenda akapupurirwa kuti akanga ari munhu akarurama, Mwari paakataura zvakanaka pamusoro pezvipo zvake. Uye nokutenda achiri kutaura nazvino kunyange zvake akafa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamusana pechitendero Abhero akapira kuna Mwari chibayiro chinogamuchirika kupinda Kaini chakaita kuti anzi munhu akarurama Mwari achipupurira izvozvo nokugamuchira zvipo zvake. Akafa zvake asi nechitendero chake achiri kungotaura.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokutenda Abheri akabayira Mwari chibayiro chakanaka kune chaKaini; akapupurirwa nacho kuti akanga akarurama, Mwari achipupurira zvipo zvake; naiko kutenda iye, kunyange afa hake, achangotaura nazvino.
Shona 2009?
Nokutenda Abheri wakabayira Mwari chibayiro chakanaka kunechaKaini; akapupurirwa nacho kuti wakanga akarurama, Mwari achipupurira zvipo zvake; naiko kutenda iye, kunyange afa hake, uchangotaura nazvino.
Shona SUB 2002 Bible
Nokutenda Abheri akabayira Mwari chibayiro chakanaka kune chaKaini; akapupurirwa nacho kuti akanga akarurama, Mwari achipupurira zvipo zvake; naiko kutenda iye, kunyangwe afa hake, achangotaura nazvino.