Hebrews 11:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokutenda Enoki wakatorwa, kuti arege kuʋona rufu; akasaʋonekwa, nokuti Mŋari wakaŋga amutora; nokuti asati atorwa wakapupurirwa kuti wakaŋga acifadza Mŋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokutenda Enoki akatorwa kubva paupenyu huno, zvokuti haana kuona rufu; akasaonekwa, nokuti Mwari akanga amutora; nokuti asati atorwa, akanga achipupurirwa somunhu aifadza Mwari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamusana pechitendero Enoki akatorwa achiendeswa kudenga nokuti Mwari akanga amutora nokuti asati atorwa akanga apupurirwa kuti akafadza Mwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokutenda Enoki akatorwa, kuti arege kuona rufu; akasaonekwa, nokuti Mwari akanga amutora; nokuti asati atorwa akapupurirwa kuti akanga achifadza Mwari.
Shona 2009?
Nokutenda Enoki wakatorwa,kuti arege kuvona rufu; akasavonekwa, nokuti Mwari wakanga amutora; nokuti asati atorwa wakapupurirwa kuti wakanga achifadza Mwari.
Shona SUB 2002 Bible
Nokutenda Inoki akatorwa, kuti arege kuona rufu; akasaonekwa, nokuti Mwari akanga amutora; nokuti asati atorwa akapupurirwa kuti akanga achifadza Mwari.