Hebrews 11:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokutenda Noa wakati anyeʋerwa pamsoro peɀinhu ɀicigere kuʋonekwa, akagadzira areka nokutya Mŋari, kuti aponese mhuri yake; akapa nyika mhoȿa naɀo, akagara nhaka yokururama kunoʋuya nokutenda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokutenda Noa, akati anyeverwa pamusoro pezvinhu zvakanga zvichigere kuonekwa, akavaka areka nokutya Mwari kuti aponese mhuri yake. Nokutenda kwake akapa nyika mhosva uye akava mugari wenhaka yokururama kunouya nokutenda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamusana pechitendero, Nowa paakayambirwa naMwari nezvezvinhu zvakanga zvisati zvaoneka, akatirimuka akavaka ngarava kuti aponese mhuri yake. Naizvozvi akapa nyika mhosva. Akava mugari wenhaka yoururami inouya pamusana pechitendero.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokutenda Noa akati anyeverwa pamusoro pezvinhu zvichigere kuonekwa, akagadzira areka nokutya Mwari, kuti aponese mhuri yake; akapa nyika mhosva nazvo, akagara nhaka yokururama kunouya nokutenda.
Shona 2009?
Nokutenda Nowa wakati anyeverwa pamusoro pezvinhu zvichigere kuvonekwa,nokutya Mwari, akagadzira areka, kuti aponese mhuri yake; akapa nyika mhosva nazvo, akagara nhaka yokururama kunovuya nokutenda.
Shona SUB 2002 Bible
Nokutenda Nowa akati anyeverwa pamusoro pezvinhu zvichigere kuonekwa, akagadzira areka nokutya Mwari, kuti aponese mhuri yake; akapa nyika mhosva nazvo, akagara nhaka yokururama kunouya nokutenda.