Hebrews 11:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokutenda Abrahama, wakati aɗanwa, akaterera, akaɓuɗa, akaenda kunɀimbo yaakanzi ucaipiwa iʋe nhaka yake; akaɓuɗa akaenda, asiŋgaziʋi kwaanoenda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokutenda Abhurahama, akati adanwa kuti aende kunzvimbo iyo yaaizogamuchira kuti ive nhaka yake, akateerera uye akaenda, kunyange zvazvo akanga asingazivi kwaaienda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamusana pechitendero Abhurahamu akateerera paakadaidzwa kuti aende kunzvimbo yaainzi anozogamuchira senhaka. Pamusana pechitendero akabuda achienda kwaakanga asingazivi
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokutenda Abhurahamu, akati adanwa, akateerera, akabuda, akaenda kunzvimbo yaakanzi achaipiwa ive nhaka yake; akabuda akaenda, asingazivi kwaanoenda.
Shona 2009?
Nokutenda Abhurahamu, wakati adamwa, akateerera, akabuda, akaenda kunzvimbo yaakanzi uchaipiwa ive nhaka yake; akabuda akaenda, asingazivi kwaanoenda.
Shona SUB 2002 Bible
Nokutenda Abhurahamu, akati adanwa, akateerera, akabuda, akaenda kunzvimbo yaakanzi achaipiwa ive nhaka yake; akabuda akaenda, asingazivi kwaanoenda.