Hebrews 12:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti munoziʋa kuti acizoɗa hake pashure kugara nhaka yokuropafadzwa, wakarambga; nokuti haana‐kuwana ŋguʋa yokutendeʋuka, kunyaŋge akaitȿaka ɀikuru nemisodzi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti sezvamunoziva kuti pashure akati oda kugamuchira nhaka yokuropafadzwa, akarambwa. Nokuti haana kutendeuka, kunyange zvake akatsvaga mukomborero uyo nemisodzi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sezvamunoziva kuti mushure, paakanga oda kuwana nhaka yamakomborero, akarambwa nokuti akashaya nguva yokusandura mwoyo nyangwe akaitsvaka nemisodzi padama.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti munoziva kuti achizoda hake pashure kugara nhaka yokuropafadzwa, akarambwa; nokuti haana kuwana nguva yokutendeuka, kunyange akaitsvaka zvikuru nemisodzi.
Shona 2009?
Nokuti munoziva kuti achizoda hake pashure kugara nhaka yokuropafadzwa, wakarambwa; nokuti haana kuwana nzvimbo yokutendevuka, kunyange akaitsvaka zvikuru nemisodzi. Sungano itsva inofananidzwa nesungano yekare
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti munoziva kuti achizoda hake pashure kugara nhaka yokuropafadzwa, akarambwa; nokuti haana kuwana nguva yokutendeuka, kunyangwe akaitsvaka zvikuru nemisodzi.