Hebrews 12:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ticitarira kunaJesu, muʋambi nomukwanisi wokutenda kweɗu, iye wakatsuŋga pamucinjikwa nokuɗa kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akashoʋora kunyadziswa kwawo, akandogara kurudyi rwecigaro coʋushe caMŋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Tichitarira kuna Jesu muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu; iye akatsunga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akashora kunyadziswa kwawo, uye akandogara kurudyi rwechigaro choushe chaMwari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
takatarisa kuna Jesu muvambi akaita kuti chitendero chedu chive chakakwana. Iye, pamusana pemufaro waakanga anzi achawana, akatirira muchinjikwa achiona kunyadziswa sechinhu pasina, iye zvino agere kurudyi rwechigaro choumambo chaMwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
tichitarira kuna Jesu, muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu, iye akatsunga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro akaiswa pamberi pake, akashoora kunyadziswa kwawo, akandogara kurudyi rwechigaro choushe chaMwari.
Shona 2009?
tichitarira kunaJesu, muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu, iye wakatsunga pamuchinjikwa nokuda komufaro wakaiswa pamberi pake, akashovora kunyadziswa kwawo, akandogara kurudyi rwechigaro chovushe chaMwari.
Shona SUB 2002 Bible
tichitarira kuna Jesu, muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu, iye akatsunga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro akaiswa pamberi pake, akashora kunyadziswa kwawo, akandogara kurudyi rwechigaro choushe chaMwari.