Hebrews 12:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋuye makakaŋganwa kwaɀo kuraira kunotaura kwamuri sokuʋanakomana, kuciti: Mŋanakomana waŋgu, usaɀidza kuraŋga kwaShe, Usapera mŋoyo kana ucirairwa naye;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye makanganwa shoko rokukurudzira rinotaura kwamuri savanakomana richiti: “Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaShe, usaora mwoyo kana uchirangwa naye,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ko munokanganwa here kukurudzirwa kuya; mukukurudzirwa mamunonzi vana? Mwanangu kana Mwari achikudzora rega kuzviona sechinhu chisina maturo kana kurasa mwoyo kana warangwa naye.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Uye makakanganwa kwazvo kurayira kunotaura kwamuri sokuvanakomana, kuchiti, “Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaIshe, Usapera mwoyo kana uchirayirwa naye;
Shona 2009?
uye makakangamwa kwazvo kuraira kunotaura kwamuri sokuvanakomana, kuchiti: Mwanakomana wangu, usazvidza Kuranga kwaShe, Usapera moyo kana uchirairwa naye;
Shona SUB 2002 Bible
Uye makakanganwa kwazvo kurayira kunotaura kwamuri sokuvanakomana, kuchiti, “Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaIshe, Usapera mwoyo kana uchirayirwa naye;