Hebrews 13:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Saka naiye Jesu ʋo wakatambudzika kunze kwesuʋo, kuti aite ʋanhu ʋaʋe ʋatȿene neropa rake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye naizvozvo Jesu akatambudzikawo ari kunze kwesuo reguta kuti aite kuti vanhu vave vatsvene kubudikidza neropa rake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saizvozvo Jesu akatambudzikawo kunze kweguta kuti aruramise vanhu neropa rake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saka naiye Jesuo akatambudzika kunze kwesuo kuti aite vanhu vave vatsvene neropa rake.
Shona 2009?
Saka naiye Jesuvo wakatambudzika kunze kwesuvo, kuti aite vanhu vave vatsvene neropa rake.
Shona SUB 2002 Bible
Saka naiye Jesu akatambudzika kunze kwesuwo kuti aite vanhu vave vatsvene neropa rake.