Hebrews 2:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo wakafanira kuti aenzaniswe nehama dzake paɀinhu ɀose, kuti aʋe muprista mukuru Uneŋgoni, wakatendeka paɀinhu ɀaMŋari, kuti adzikinure ɀiʋi ɀaʋanhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuda kwemhaka iyi aifanira kuitwa sehama dzake nenzira yose, kuitira kuti agova muprista mukuru ane tsitsi uye akatendeka muushumiri kuna Mwari, uye kuti ayananise vanhu nokuda kwezvivi zvavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo, aifanira kuva sehama dzake muna zvose, kuti ave mupristi mukuru ane tsitsi, anotendeseka mubasa raMwari, anoripirawo zvitadzo zvavanhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo akafanira kuti aenzaniswe nehama dzake pazvinhu zvose, kuti ave mupristi mukuru ane ngoni, akatendeka pazvinhu zvaMwari, kuti adzikinure zvivi zvavanhu.
Shona 2009?
Naizvozvo wakafanira kuti aenzaniswe nehama dzake pazvinhu zvose, kuti ave muprista mukuru unengoni, wakatendeka pazvinhu zvaMwari, kuti adzikinure zvivi zvavanhu.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo akafanira kuti aenzaniswe nehama dzake pazvinhu zvose, kuti ave Mupristi Mukuru ane ngoni, akatendeka pazvinhu zvaMwari, kuti adzikinure zvivi zvavanhu.