Hebrews 2:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mukaisa ɀinhu ɀose pasi petsoka dzake. Nokuti pakuisa kwake ɀinhu ɀose pasi pake, haana‐kusiya cinhu cimŋe, cisinakuiswa pasi pake. Asi ɀino tigere kuʋona kuti ɀinhu ɀose ɀakaiswa pasi pake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake.” Pakuisa zvinhu zvose pasi pake, Mwari haana kusiya chinhu chimwe chete chisina kuiswa pasi pake. Asi panguva ino hationi zvinhu zvose zvakaiswa pasi pake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Makaisawo zvinhu zvose pasi petsoka dzake.” Pamakaisa zvinhu zvose pasi pake, haana kusiya nechinhu chose chisiri mumaoko ake. Iye zvino hatisati zvedu toona zvinhu zvose zviri pasi pake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake.” Nokuti pakuisa kwake zvinhu zvose pasi pake, haana kusiya chinhu chimwe, chisina kuiswa pasi pake. Asi zvino tigere kuona kuti zvinhu zvose zvakaiswa pasi pake.
Shona 2009?
Mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake. Nokuti pakuisa kwake zvinhu zvose pasi pake, haana kusiya chinhu chimwe, chisina kuiswa pasi pake. Asi zvino tigere kuvona kuti zvinhu zvose zvakaiswa pasi pake.
Shona SUB 2002 Bible
Mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake.” Nokuti pakuisa kwake zvinhu zvose pasi pake, haana kusiya chinhu chimwe, chisina kuiswa pasi pake. Asi zvino tigere kuona kuti zvinhu zvose zvakaiswa pasi pake.