Hebrews 4:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti isu ʋakatenda, tinopinda pazororo irero, seɀaakareʋa, aciti: Naiɀoɀo ndakapika pakutsamŋa kwaŋgu, ndikati: Haʋaŋgapindi muzororo raŋgu; kunyaŋge maɓasa ake akaŋga akwaniswa kubva pakuʋambga kwenyika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino isu tinotenda tinopinda muzororo iroro, sezvakareva Mwari achiti: “Naizvozvo ndakapika mhiko mukutsamwa kwangu, kuti, ‘Havazopindi muzororo rangu.’ ” Uye kunyange zvakadaro basa rake akapedza kubva pakusikwa kwenyika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Isu takatenda tinopinda muzororo iroro sokureva kwaakaita achiti, “Sokupika kwandakaita, ndakashatirwa, ndichiti havachazombopinda muzororo rangu,” kunyange zvazvo mabasa ake akapera kubvira pakuvamba kwapasi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti isu takatenda, tinopinda pazororo irero, sezvaakareva, achiti, “Naizvozvo ndakapika pakutsamwa kwangu, ndikati, ‘Havangapindi muzororo rangu.’ ” Kunyange mabasa ake akanga akwaniswa kubva pakuvambwa kwenyika.
Shona 2009?
Nokuti isu vakatenda, tinopinda pazororo irero, sezvaakareva, achiti: Naizvozvo ndakapika pakutsamwa kwangu, ndikati: Havangapindi muzororo rangu; kunyange mabasa ake akanga akwaniswa kubva pakuvambwa kwenyika.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti isu takatenda, tinopinda pazororo irero, sezvaakareva, achiti, “Naizvozvo ndakapika pakutsamwa kwangu, ndikati, ‘Havangapindi muzororo rangu.’ ” Kunyangwe mabasa ake akanga akwaniswa kubva pakuvambwa kwenyika.