Hebrews 4:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
unotara ɀe rimŋe zuʋa, rinonzi Nhasi — ndiɀo ɀaanotaura naDavidi, ŋguʋa huru yakaɗai yapfuʋura, (seɀakwakambotaurwa kare, ɀicinzi:) Nhasi, kana mucinzwa inzwi rake, Musawomesa mŋoyo yenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo Mwari akaisazve rimwe zuva rinonzi Nhasi, paakataura kare kubudikidza naDhavhidhi, sezvazvakataurwa pakutanga zvichinzi: “Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake, musaomesa mwoyo yenyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
anomisa rimwe zuva racho achitori doma kuti, “Nhasi uno,” achitaura nomuromo waDhavhidhi, iko kwapera nguva yakati rebei kudai namazwi aya akamborehwa atinodzokorora anoti, “Nhasi kana monzwa izwi rake Musazoomesa mwoyo yenyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
anotarazve rimwe zuva, rinonzi, “Nhasi” ndizvo zvaanotaura naDhavhidhi, nguva huru yakadai yapfuura, (sezvakwakambotaurwa kare, zvichinzi,) “Nhasi, kana muchinzwa izwi rake, Musaomesa mwoyo yenyu.”
Shona 2009?
unotara zve rimwe zuva, achiti muna Dhavhidhi, Nhasi nguva huru yakadai yapfuvura, sezvakwakambotaurwa kare, zvichinzi, Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake, musawomesa moyo yenyu.
Shona SUB 2002 Bible
anotarazve rimwe zuva, rinonzi, “Nhasi” ndizvo zvaanotaura naDhavhidhi, nguva huru yakadai yapfuura, (sezvakwakambotaurwa kare, zvichinzi,) “Nhasi, kana muchinzwa izwi rake, Musaomesa mwoyo yenyu.”