Hebrews 5:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti muprista mukuru mumŋe nomumŋe, wakatorwa kuʋanhu, unogadzwa nokuɗa kwaʋanhu paɀinhu ɀaMŋari, kuti aɓayire ɀipo neɀiɓayiro pamsoro peɀiʋi;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muprista mukuru mumwe nomumwe anosarudzwa kubva pakati pavanhu uye anogadzwa kuti avamiririre pazvinhu zvaMwari, kuti ape zvipo nezvibayiro pamusoro pezvivi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokuti mupristi mukuru mumwe nomumwe anosarudzwa achibva mukati mavanhu kuti ashande akamirira vanhu pane zvinhu zvaMwari. Anogadzwa upristi kuti apire zvipo nezvibayiro zvekuripira zvitadzo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti mupristi mukuru mumwe nomumwe, akatorwa kuvanhu, anogadzwa nokuda kwavanhu pazvinhu zvaMwari, kuti abayire zvipo nezvibayiro pamusoro pezvivi;
Shona 2009?
Nokuti muprista mukuru mumwe nomumwe, wakatorwa kuvanhu, unogadzwa nokuda kwavanhu pazvinhu zvaMwari, kuti abayire zvipo nezvibayiro pamusoro pezvivi;
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti Mupristi Mukuru mumwe nomumwe, akatorwa kuvanhu, anogadzwa nokuda kwavanhu pazvinhu zvaMwari, kuti abayire zvipo nezvibairo pamusoro pezvivi;