Hebrews 5:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti, kunyaŋge maifanira kuʋa ʋadzidzisi ɀino, kana ticitarira ŋguʋa, mofanira ɀe kuti muʋe nomumŋe unokudzidzisai dzidzo dzokutaŋga dzokuʋamba kweɀireʋo ɀaMŋari; maʋa ʋanhu ʋanofanira kupiwa ɀe mukaka, ʋasiŋgapiwi ɀokudya ɀikukutu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti, kunyange maifanira kuva vadzidzisi pari zvino munotoda mumwe munhu kuti akudzidzisei zvakare zvokwadi yezvokuvamba zveshoko raMwari. Muchiri kuda mukaka, kwete zvokudya zvikukutu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti kunyange zvazvo, parinhasi, muchifanira kunge matova vadzidzisi, mavakutoda mumwe anokudzidzisaizve zvidzidziso zvokutanga zvamashoko aMwari. Mavakutofanira kupihwa mukaka panze pokupihwa chokudya chakasimba.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti, kunyange maifanira kuva vadzidzisi zvino, kana tichitarira nguva, mofanirazve kuti muve nomumwe anokudzidzisai dzidzo dzokutanga dzokuvamba kwezvirevo zvaMwari; mava vanhu vanofanira kupiwazve mukaka, vasingapiwi zvokudya zvikukutu.
Shona 2009?
Nokuti, kunyange maifanira kuva vadzidzisi zvino, kana tichitarira nguva, mofanirazve kuti muve nomumwe unokudzidzisai zvidzidzo zvokutanga zvokuvamba kwezvirevo zvaMwari; mava vanhu vanofanira kupiwazve mukaka, vasingapiwi zvokudya zvikukutu.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti, kunyangwe maifanira kuva vadzidzisi zvino, kana tichitarira nguva, mofanirazve kuti muve nomumwe anokudzidzisai dzidzo dzokutanga dzokuvamba kwezvirevo zvaMwari; mava vanhu vanofanira kupiwazve mukaka, vasingapiwi zvokudya zvikukutu.